1 Kings 2:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kuti Jehova asimbise shoko rake raakataura pamsoro paŋgu, aciti: Kana ʋana ʋako ʋakacenjera panzira dzaʋo, kuti ʋafambe pamberi paŋgu neɀokwaɗi nomŋoyo waʋo wose ʋuye nomŋeya waʋo wose, (ndiɀo ɀaakataura), hakuŋgazoshaikwi munhu pacigaro coʋushe caIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jehovha achasimbisa shoko rake raakataura pamusoro pangu rokuti, ‘Kana vana vako vakachenjerera nzira yavo, vakafamba pamberi pangu nokutendeka, nomwoyo wavo wose, nomweya wavo wose, hapangatongoshayikwi munhu achakutevera pachigaro choushe chaIsraeri.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi agozadzisa zvaakareva nezvangu achiti, ‘Kana vanakomana vako vakachenjerera muitiro wavo vakafamba vakatendeseka kwandiri nomwoyo wose nomweya wavo wose, pachigaro choumambo hweIsiraeri hapazogara pasina murume wokwako.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kuti Jehovha asimbise shoko rake raakataura pamusoro pangu, achiti, ‘Kana vana vako vakachenjera panzira dzavo, kuti vafambe pamberi pangu nezvokwadi nomwoyo wavo wose uye nomweya wavo wose, (ndizvo zvaakataura), hakungazoshaikwi munhu pachigaro choushe chaIsiraeri.’
Shona 2009?
Kuti Jehovha asimbise shoko rake raakataura pamusoro pangu, achiti, `Kana vana vako vakachenjera panzira dzavo, kuti vafambe pamberi pangu nechokwadi nomoyo wavo wose uye nomweya wavo wose, (ndizvo zvaakataura), hakungazoshaikwi munhu pachigaro choushe chaIsiraeri.'
Shona SUB 2002 Bible
Kuti Jehovha asimbise shoko rake raakataura pamusoro pangu, achiti, ‘Kana vana vako vakachenjera panzira dzavo, kuti vafambe pamberi pangu nezvokwadi nomwoyo wavo wose uye nomweya wavo wose, (ndizvo zvaakataura), hakungazoshaikwi munhu pachigaro choushe chaIsiraeri.’