1 Kings 2:42 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo akatuma munhu kundoɗana Shimei, akati kwaari: Handina‐kukupikisa naJehova here, ndikakunyeʋera, ndiciti: Uziʋe kwaɀo kuti nomusi waunoɓuɗa nawo, ukafamba kumŋe, ucaʋurawa ɀirokwaɀo? Iwe ukati kwandiri: Shoko randanzwa rakanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo akadana Shimei akati kwaari, “Handina here kukupikisa naJehovha ndikakuyambira ndichiti, ‘Nomusi wauchabva uchienda kumwe, ziva kuti uchafa.’ Panguva iyoyo wakati kwandiri, ‘Zvamataura zvakanaka. Ndichateerera.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
mambo akatumira shoko rokuti Shimei auye, akati kwaari, “Handina here kuti upike naTenzi ndikanyatsokudurira kuti pazuva raunongobuda uchienda kupi zvako unofanira kunyatsoziva kuti chako iwe kufa? Iwe ukandipindura uchiti zvamareva zvakanaka ndichateerera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo akatuma munhu kundodana Shimei, akati kwaari, “Handina kukupikisa naJehovha here, ndikakunyevera, ndichiti, ‘Uzive kwazvo kuti nomusi waunobuda nawo, ukafamba kumwe, uchaurawa zvirokwazvo?’ Iwe ukati kwandiri, ‘Shoko randanzwa rakanaka.’
Shona 2009?
Mambo akatuma munhu kundodana Shimei, akati kwaari, "Handina kukupikisa naJehovha here, ndikakunyevera, ndichiti, `Uzive kwazvo kuti nomusi waunobuda nawo, ukafamba kumwe, uchaurawa zvirokwazvo?' Iwe ukati kwandiri, `Shoko randanzwa rakanaka.'
Shona SUB 2002 Bible
Mambo akatuma munhu kundodana Shimei, akati kwaari, “Handina kukupikisa naJehovha here, ndikakunyevera, ndichiti, ‘Uzive kwazvo kuti nomusi waunobuda nawo, ukafamba kumwe, uchaurayiwa zvirokwazvo?’ Iwe ukati kwandiri, ‘Shoko randanzwa rakanaka.’