1 Kings 2:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye unoziʋa ʋo ɀandakaitirwa naJoabi, mŋanakomana waZeruya, iɀo ɀaakaitira ʋakuru ʋaʋiri ʋehondo dzaIsraeri, ʋanaAbineri mŋanakomana waNeri, naAmasa mŋanakomana waJeteri, ʋaakaʋuraya, akateʋura paŋguʋa yorugare ropa raifanira kuteʋurwa paŋguʋa yokurwa, akaisa ropa rokurwa pabanhire rakaŋga riri paciʋuno cake, nomushaŋgu dzake dzakaŋga dziri patsoka dzake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvino iwe pachako unoziva zvandakaitirwa naJoabhu, mwanakomana waZeruya, zvaakaita kuvatungamiri vaviri vehondo dzaIsraeri, Abhuna mwanakomana waNeri, naAmasa mwanakomana waJeteri. Akavauraya, akateura ropa ravo panguva yorugare sokunge vakanga vari muhondo, uye ropa iroro akarizora pabhanire raiva muchiuno chake napashangu dzetsoka dzake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uyewo unozivaka iwe dzandakaparirwa naJoabhu mwanakomana waZeruya. Zvaakaita zviye kune vatungamiriri vaviri vehondo yeIsiraeri kuna Abhuneru mwanakomana waNeru naAmasa mwanakomana waJeteru waakaponda kuuraya iyo yava nguva yorunyararo achitsividza ropa revanhu vakaurayiwa muhondo, akazviisira ropa pabhande rake raiva muchiuno napashangu dzake dzaiva mumakumbo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Uye unozivawo zvandakaitirwa naJoabhu, mwanakomana waZeruya, izvo zvaakaitira vakuru vaviri vehondo dzaIsiraeri, vanaAbhineri mwanakomana waNeri, naAmasa mwanakomana waJeteri, vaakauraya, akateura panguva yorugare ropa raifanira kuteurwa panguva yokurwa, akaisa ropa rokurwa pabhanhire rakanga riri pachiuno chake, nomushangu dzake dzakanga dziri patsoka dzake.
Shona 2009?
"Uye unozivawo zvandakaitirwa naJoabhu, mwanakomana waZeruya, izvo zvaakaitira vakuru vaviri vehondo dzaIsiraeri, vanaAbhineri mwanakomana waNeri, naAmasa mwanakomana waJeteri, vaakauraya, akateura panguva yorugare ropa raifanira kuteurwa panguva yokurwa, akaisa ropa rokurwa pabhanhire rakanga riri pachiuno chake, nomushangu dzake dzakanga dziri patsoka dzake.
Shona SUB 2002 Bible
“Uye unozivawo zvandakaitirwa naJoabhu, mwanakomana waZeruya, izvo zvaakaitira vakuru vaviri vehondo dzaIsiraeri, vanaAbhineri mwanakomana waNeri, naAmasa mwanakomana waJeteri, vaakauraya, akateura panguva yorugare ropa raifanira kuteurwa panguva yokurwa, akaisa ropa rokurwa pabhandi rakanga riri pachiuno chake, nomushangu dzake dzakanga dziri patsoka dzake.