1 Kings 2:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋanakomana ʋaBarzirai muGireadi, uʋaitire ʋunyoro, ʋaʋe pakati paiʋo ʋanodya patafura yako; nokuti ʋakaʋuya kwandiri saiɀoɀo paŋguʋa yandakatiza pamberi paAbsaromi mukuru wako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Asi uitire unyoro vanakomana vaBharizira wokuGireadhi, uye ngavave pakati paavo vanodya patafura yako. Vakamira neni pandakatiza mukoma wako Abhusaromu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Asi vanakomana vaBhazirai vokuGireadhi uvaitire mwoyochena vavewo pakati pevanodya pamwechete newe pateburu yako nokuti ndozvavakandiitirawo pavakauya kwandaiva ndiri pandaitiza mukoma wako Abhusharomu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi vanakomana vaBharizirai muGireadhi, uvaitire unyoro, vave pakati paivo vanodya patafura yako; nokuti vakauya kwandiri saizvozvo panguva yandakatiza pamberi paAbhusaromu mukuru wako.
Shona 2009?
"Asi vanakomana vaBharizirai muGiriyadhi, uvaitire unyoro, vave pakati paivo vanodya patafura yako; nokuti vakauya kwandiri saizvozvo panguva yandakatiza pamberi paAbhusaromu mukuru wako.
Shona SUB 2002 Bible
“Asi vanakomana vaBharizirai muGiriadhi, uvaitire unyoro, vave pakati paivo vanodya patafura yako; nokuti vakauya kwandiri saizvozvo panguva yandakatiza pamberi paAbhusaromu mukuru wako.