1 Kings 2:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarira, kwauri kunaShimei mŋanakomana waGera, muBenjamini weBahurimi, iye, wakandituka nokutuka kwakaipa pazuʋa randakaŋga ndicienda Mahanaimi; asi wakazoʋuya akasoŋgana neni paJoridani, ndikamupikira naJehova, ndikati: Handiŋgakuʋurayi nomunondo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Rangarira kuti unayewo Shimei, mwanakomana waGera, muBhenjamini wokuBhahurimu, uyo akandituka zvakaipa kwazvo musi wandakaenda kuMahanaimu. Paakadzika kuzosangana neni paJorodhani, ndakapika kwaari naJehovha ndikati, ‘Handisi kuzokuuraya nomunondo.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kwouyawo Shimei mwanakomana waGera wokwaBhenjamini wokuBhahurimu akandishura mare kundituka musi wandaienda kuMahanaimu. Asi paakadzika kuzondichingura kuna Jorodhani ndakamupikira naTenzi ndichiti, ‘Handimbokuuraya nebakatwa.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Tarira, kwauri kuna Shimei mwanakomana waGera, muBhenjamini weBhahurimi, iye, wakandituka nokutuka kwakaipa pazuva randakanga ndichienda Mahanaimi; asi wakazouya akasangana neni paJorodhani, ndikamupikira naJehovha, ndikati, ‘Handingakuurayi nomunondo.’
Shona 2009?
"Tarira, kwauri kuna Shimei mwanakomana waGera, muBhenjamini weBhahurimi, iye, wakandituka nokutuka kwakaipa pazuva randakanga ndichienda Mahanaimi; asi wakazouya akasangana neni paJorodhani, ndikamupikira naJehovha, ndikati, `Handingakuurayi nomunondo.'
Shona SUB 2002 Bible
“Tarira, kwauri kuna Shimei mwanakomana waGera, muBhenjamini weBhahurimi, iye, wakandituka nokutuka kwakaipa pazuva randakanga ndichienda Mahanaimi; asi wakazouya akasangana neni paJodhani, ndikamupikira naJehovha, ndikati, ‘Handingakuurayi nomunondo.’