1 Kings 20:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Beni‐hadadi, mambo weSiria, wakakoka hondo dzake dzose; iye waiʋa namadzimambo anamakumi matatu namaʋiri, namabiza, neŋgoro pamŋe cete naye; akaenda, akakomba Samaria, akarwa naro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Bheni-hadhadhi mambo weAramu akaunganidza varwi vake vose. Achibatsirwa namadzimambo makumi matatu namaviri vaine mabhiza avo nengoro, akaenda akakomba Samaria akarirwisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Bhenihadhadhi mambo weSiria akaunganidza hondo yake yose akanga ana madzimambo makumi matatu namaviri aine mabhiza nengoro dzehondo. Akakwira kundokomba achirwisa Samaria.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Bhenihadhadhi, mambo weSiria, wakakoka hondo dzake dzose; iye waiva namadzimambo ana makumi matatu ana maviri, namabhiza, nengoro pamwechete naye; akaenda, akakomba Samaria, akarwa naro.
Shona 2009?
Zvino Bhenihadhadhi, mambo weSiria, wakakoka hondo dzake dzose; iye waiva namadzimambo ana makumi matatu ana maviri, namabhiza, nengoro pamwechete naye; akaenda, akakomba Samaria, akarwa naro.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Bhenihadhadhi, mambo weSiria, wakakoka hondo dzake dzose; iye waiva namadzimambo ana makumi matatu ana maviri, namabhiza, nengoro pamwechete naye; akaenda, akakomba Samaria, akarwa naro.