1 Kings 20:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iye wakati acinzwa shoko iro ari pakunwa, iye namadzimambo, pamisasa, akati kuʋaranda ʋake: Roŋgedzai! Iʋo ʋakaroŋgedza kundorwa neguta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Bheni-hadhadhi akanzwa shoko iri iye namadzimambo pavakanga vachinwa vari mumisasa, akabva arayira mauto ake akati, “Gadzirirai kundorwisa.” Saka vakagadzirira kundorwisa guta.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Bhenihadhadhi paakanzwa mhinduro iyi achingunonwira-nwira zvake namadzishe mudumba, akati kuvarwi vake, “Mirai pamunofanira kuva.” Ivowo ndokundomira pavaifanira kuva kuti vachirwisa guta iri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino iye wakati achinzwa shoko iro ari pakunwa, iye namadzimambo, pamisasa, akati kuvaranda vake, “Rongedzai!” Ivo vakarongedza kundorwa neguta.
Shona 2009?
Zvino iye wakati achinzwa shoko iro ari pakumwa, iye namadzimambo, pamisasa, akati kuvaranda vake, "Rongedzai!" Ivo vakarongedza kundorwa neguta.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino iye wakati achinzwa shoko iro ari pakunwa, iye namadzimambo, pamisasa, akati kuvaranda vake, “Rongedzai!” Ivo vakarongedza kundorwa neguta.