1 Kings 20:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ahabi akati: Naniko? Iye akati: Ɀanzi naJehova: Namajaya amacinda amatiʋi enyika. Iye akati: Ndianiko unofanira kuʋamba kurwa? Akapindura, akati: Iwe!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ahabhu akabvunza akati, “Asi ndiani achaita izvi?” Muprofita akapindura akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Majaya amachinda omumatunhu ndiwo achazviita.’ ” Akabvunza akati, “Zvino ndiani achatanga hondo yacho?” Muprofita akapindura akati, “Ndiwe uchaitanga.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ahabhu akabva ati “Ndiani achatakudzwa basa iroro?” Iye akati, “Zvanzi naTenzi, ngariitwe nevechidiki vezvikwata zvavatongi vamatunhu.” Iyewo ndokuti, “Ndiani wacho achatanga kurwisa?” Iye akati, “Ndimi imimi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ahabhi akati, “Naniko?” Iye akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Namajaya amachinda amativi enyika.’ ” Iye akati, “Ndianiko unofanira kuvamba kurwa?” Akapindura akati, “Iwe!”
Shona 2009?
Ahabhi akati, "Naniko?" Iye akati, "Zvanzi naJehovha, `Namajaya amachinda amativi enyika.' " Iye akati, "Ndianiko unofanira kuvamba kurwa?" Akapindura akati, "Iwe!"
Shona SUB 2002 Bible
Ahabhi akati, “Naniko?” Iye akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Namajaya amachinda amativi enyika.’ ” Iye akati, “Ndianiko unofanira kuvamba kurwa?” Akapindura akati, “Iwe!”