1 Kings 20:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino muprofita akasweɗera kunamambo waIsraeri, akati kwaari: Enda undoɀisimbisa, ucenjere, ufuŋge ɀakanaka ɀaunofanira kuita; nokuti kana gore rapera mambo weSiria ucaʋuya kuzorwa newe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mushure maizvozvo, muprofita akauya kuna mambo weIsraeri akati, “Simbisa chinzvimbo chako ugoona zvinofanira kuitwa, nokuti muchirimo chiri kutevera mambo weAramu achakurwisa zvakare.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muporofita uya akaenda kuna mambo wokwaIsiraeri akati kwaari, “Chisungai dzisimbe munyatsoona zvimwe zvamungaite nokuti muchirimo, panguva yepfumvudza, mambo wokuSiria uyu achakudzokerai.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino muporofita akaswedera kuna mambo waIsiraeri, akati kwaari, “Enda undozvisimbisa, uchenjere, ufunge zvakanaka zvaunofanira kuita; nokuti kana gore rapera mambo weSiria uchauya kuzorwa newe.”
Shona 2009?
Zvino muporofita akaswedera kuna mambo waIsiraeri, akati kwaari, "Enda undozvisimbisa, uchenjere, ufunge zvakanaka zvaunofanira kuita; nokuti kana gore rapera mambo weSiria uchauya kuzorwa newe."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino muporofita akaswedera kuna mambo waIsiraeri, akati kwaari, “Enda undozvisimbisa, uchenjere, ufunge zvakanaka zvaunofanira kuita; nokuti kana gore rapera mambo weSiria uchauya kuzorwa newe.”