1 Kings 20:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaranda ʋamambo weSiria ʋakati kwaari: Mŋari waʋo ndimŋari wamakomo, nemhaka iyo ʋakatikunda; asi ŋgatirwe naʋo paɓani, ipapo ɀirokwaɀo ticaʋakunda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva imwe cheteyo, varanda vamambo weAramu vakati kwaari, “Vamwari vavo ndavamwari vamakomo. Ndicho chikonzero vakatikurira. Asi tikarwa navo mumapani, zvirokwazvo tichavakurira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Makurukota amambo wokuSiria akakurukurira mambo wavo vachiti, “Vamwari wavo ndavamwari vomumakomo ndokusaka vakaita simba kupinda isu. Asi dai kuri kuti tarwisana navo mubani, hatimborega kuvakurira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varanda vamambo weSiria vakati kwaari, “Mwari wavo ndimwari wamakomo, nemhaka iyo vakatikunda; asi ngatirwe navo pabani, ipapo zvirokwazvo tichavakunda.
Shona 2009?
Zvino varanda vamambo weSiria vakati kwaari, "Mwari wavo ndimwari wamakomo, nemhaka iyo vakatikunda; asi ngatirwe navo pabani, ipapo zvirokwazvo tichavakunda.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varanda vamambo weSiria vakati kwaari, “Mwari wavo ndimwari wamakomo, nemhaka iyo vakatikunda; asi ngatirwe navo pabani, ipapo zvirokwazvo tichavakunda.