1 Kings 20:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino munhu waMŋari akasweɗera, akataura kunamambo waIsraeri, akati: Ɀanzi naJehova: ƲaSiria ɀaʋakati: Jehova ndimŋari wamakomo, asi haazi mŋari wamapani, naiɀoɀo ndicapa ʋanhu aʋa ʋose mumaʋoko ako, ʋaziʋe kuti ini ndiri Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munhu waMwari akauya akaudza mambo weIsraeri kuti, “Zvanzi naJehovha, ‘Nokuda kwokuti vaAramu vanofunga kuti Jehovha ndimwari wamakomo, uye kuti haasi mwari wemipata, ndichaisa hondo huru huru iyi mumaoko ako, uye uchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu waMwari akaenda kuna mambo wokwaIsiraeri akati kwaari, “Zvanzi naTenzi, pamusana pokuti vaSiria vakati, ‘Tenzi ndimwari womumakomo haasiri mwari womumapani, saka naizvozvo ndichaisa gurumwandira irori mumaoko ako kuti uzvizive kuti ndini Tenzi.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino munhu waMwari akaswedera, akataura kuna mambo waIsiraeri, akati, “Zvanzi naJehovha, ‘VaSiria zvavakati, Jehovha ndimwari wamakomo, asi haazi mwari wamapani, naizvozvo ndichapa vanhu avo vose mumaoko ako, vazive kuti ini ndiri Jehovha.’ ”
Shona 2009?
Zvino munhu waMwari akaswedera, akataura kuna mambo waIsiraeri, akati, "Zvanzi naJehovha, `VaSiria zvavakati, Jehovha ndimwari wamakomo, asi haazi mwari wamapani, naizvozvo ndichapa vanhu avo vose mumaoko ako, vazive kuti ini ndiri Jehovha.' "
Shona SUB 2002 Bible
Zvino munhu waMwari akaswedera, akataura kuna mambo waIsiraeri, akati, “Zvanzi naJehovha, ‘VaSiria zvavakati, Jehovha ndimwari wamakomo, asi haazi mwari wamapani, naizvozvo ndichapa vanhu avo vose mumaoko ako, vazive kuti ini ndiri Jehovha.’ ”