1 Kings 20:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakagara pamisasa ʋakatarisana mazuʋa manomŋe. Nomusi wecinomŋe ʋakasoŋgana ʋakarwa, ʋana ʋaIsraeri ʋakaʋuraya ʋaSiria ʋaifamba namakumbo ʋaneɀuru ɀinezana nomusi mumŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kwamazuva manomwe vakagara pamisasa yavo vakatarisana, uye nezuva rechinomwe hondo yakatanga. VaIsraeri vakauraya zana rezviuru zvamauto etsoka avaAramu musi mumwe chete.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakapedza mazuva manomwe vari kumatendhe avo vakangotarisana. Pazuva rechinomwe racho vakabva vatanga kurwa. VokwaIsiraeri vakauraya zana rezviuru zvavarwi vetsoka vechiSiria pazuva rimwechete.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakagara pamisasa vakatarisana mazuva manomwe. Nomusi wechinomwe vakasangana vakarwa, vana vaIsiraeri vakauraya vaSiria vaifamba namakumbo vane zviuru zvine zana nomusi mumwe.
Shona 2009?
Zvino vakagara pamisasa vakatarisana mazuva manomwe. Nomusi wechinomwe vakasangana vakarwa, vana vaIsiraeri vakauraya vaSiria vaifamba namakumbo vane zviuru zvine zana nomusi mumwe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakagara pamisasa vakatarisana mazuva manomwe. Nomusi wechinomwe vakasangana vakarwa, vana VaIsiraeri vakauraya VaSiria vaifamba namakumbo vane zviuru zvine zana nomusi mumwe.