1 Kings 20:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋamŋe ʋakatizira muguta reAfeki, ruȿiŋgo ndokuwira pamsoro paʋarume ʋaneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinomŋe ʋakaŋga ʋasara. NaBeni‐hadadi akatiza ʋo, akaȿika muguta, akapinda mukamuri yomukati.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakasara vakatizira kuguta reAfeki, uko kwakandowira rusvingo pamusoro pezviuru makumi maviri nezvinomwe zvavo. Uye Bheni-hadhadhi akatizira kuguta akandohwanda muimba yomukati.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vamwe vose vakatizira muguta reAfeki, rusvingo rukawira makumi maviri ezviuru zvavarume zvina varume zviuru zvinomwe vokusara vaya. Bhenihadhadhi akatiza akandopinda mune imwe imba yomukati muguta umu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi vamwe vakatizira muguta reAfeki, rusvingo ndokuwira pamusoro pavarume vane zviuru zvina makumi maviri nezvinomwe vakanga vasara. NaBhehadhadhi akatizawo, akasvika muguta, akapinda mukamuri yomukati.
Shona 2009?
Asi vamwe vakatizira muguta reAfeki, rusvingo ndokuwira pamusoro pavarume vane zviuru zvina makumi maviri nezvinomwe vakanga vasara. NaBhenihadhadhi akatizawo, akasvika muguta, akapinda mukamuri yomukati.
Shona SUB 2002 Bible
Asi vamwe vakatizira muguta reAfeki, rusvingo ndokuwira pamusoro pavarume vane zviuru zvina makumi maviri nezvinomwe vakanga vasara. NaBhehadhadhi akatizawo, akasvika muguta, akapinda mukamuri yomukati.