1 Kings 20:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋaranda ʋake ʋakati kwaari: Tarirai ɀino, takanzwa kuti madzimambo eimba yaIsraeri madzimambo anenyasha; ɀino ŋgatisuŋge magumbu paɀiʋuno ɀeɗu namakaʋi pamisoro yeɗu, tiɓuɗire kunamambo waIsraeri; ɀimŋe ucakuregai muri ʋapenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varanda vake vakati kwaari, “Tarirai, takanzwa kuti madzimambo eimba yaIsraeri ane tsitsi. Ngatiendei kuna mambo weIsraeri takasungirira masaga muzviuno zvedu, uye takasunga misoro yedu netambo. Zvichida angakuregai muri mupenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Makurukota ake akati kwaari, “Zvamunoonaka takanzwa zvichinzi madzimambo okwaIsiraeri madzimambo ane tsitsi. Ngatipfekei mitikisha yamasaga muchiuno netsungare dzetambo mumusoro tondozviturira kuna mambo wokwaIsiraeri angangodaro akakuregai muri vapenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo varanda vake vakati kwaari, “Tarirai zvino, takanzwa kuti madzimambo eimba yaIsiraeri madzimambo ane nyasha; zvino ngatisunge magumbu pazviuno zvedu namakavi pamisoro yedu, tibudire kuna mambo waIsiraeri; zvimwe uchakuregai muri vapenyu.”
Shona 2009?
Ipapo varanda vake vakati kwaari, "Tarirai zvino, takanzwa kuti madzimambo eimba yaIsiraeri madzimambo ane nyasha; zvino ngatisunge magumbu pazviuno zvedu namakavi pamisoro yedu, tibudire kuna mambo waIsiraeri; zvimwe uchakuregai muri vapenyu."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo varanda vake vakati kwaari, “Tarirai zvino, takanzwa kuti madzimambo eimba yaIsiraeri madzimambo ane nyasha; zvino ngatisunge magumbu pazviuno zvedu namakavi pamisoro yedu, tibudire kuna mambo waIsiraeri; zvimwe uchakuregai muri vapenyu.”