1 Kings 20:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ʋakasuŋga magumbu paɀiʋuno ɀaʋo, namakaʋi pamisoro yaʋo, ʋakaenda kunamambo waIsraeri, ʋakati: Ɀanzi nomuranda wenyu Beni‐hadadi: Ndinokumbira kuti murege kundiʋuraya henyu. Akati: Uciri mupenyu here? Iye ihama yaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakasungirira masaga muzviuno zvavo vakasunga misoro yavo netambo, vakabva vaenda kuna mambo weIsraeri vakasvikoti, “Muranda wenyu Bheni-hadhadhi ati, ‘Ndapota, dai mangondirega ndararama.’ ” Mambo akapindura akati, “Achiri mupenyu nazvino? Ihama yangu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvo vakapfeka mitikisha yamasaga muchiuno netsungare dzetambo mumusoro vakaenda kuna mambo wokwaIsiraeri vakati, “Muranda wenyu Bhenihadhadhi ati, ‘Ingondiregaiwo zvenyu ndiri mupenyu.’ ” Iye ndokuti, “Achiri mupenyu here? Ihama yangu uye.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo vakasunga magumbu pazviuno zvavo, namakavi pamisoro yavo, vakaenda kuna mambo waIsiraeri, vakati, “Zvanzi nomuranda wenyu Bhenihadhadhi, ‘Ndinokumbira kuti murege kundiuraya henyu.’ ” Akati, “Uchiri mupenyu here? Iye ihama yangu.”
Shona 2009?
Naizvozvo vakasunga magumbu pazviuno zvavo, namakavi pamisoro yavo, vakaenda kuna mambo waIsiraeri, vakati, "Zvanzi nomuranda wenyu Bhenihadhadhi, `Ndinokumbira kuti murege kundiuraya henyu.' " Akati, "Uchiri mupenyu here? Iye ihama yangu."
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo vakasunga magumbu pazviuno zvavo, namakavi pamisoro yavo, vakaenda kuna mambo waIsiraeri, vakati, “Zvanzi nomuranda wenyu Bhenihadhadhi, ‘Ndinokumbira kuti murege kundiuraya henyu.’ ” Akati, “Uchiri mupenyu here? Iye ihama yangu.”