1 Kings 20:34 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Beni‐hadadi akati kwaari: Ndicadzosa maguta akatorerwa ɓaɓa ʋako naɓaɓa ʋaŋgu; uŋgaɀiitira migwagwa muDamasko, seɀakaita ɓaɓa ʋaŋgu paSamaria. Ahabi akati: Ini ndicakutendera kuenda nokuɗa kwesuŋgano iyi. Naiɀoɀo akaita suŋgano naye, akamutendera kuenda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Bheni-hadhadhi akati kwaari, “Ndichadzosera maguta akatorwa nababa vangu kuna baba vako. Unogonawo kuisa misika yako muDhamasiko, sezvakaitwa nababa vangu muSamaria.” Ahabhu akati, “Nokuda kwechibvumirano ichi, ndichakusunungura.” Saka akaita chibvumirano naye, akamurega achienda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Bhenihadhadhi akatiwo kwaari, “Maguta akatorerwa baba venyu nababa vangu ndichaadzosera kwamuri, muite zvenyu zvitoro muDhamasikusi sezvakaita baba vangu muSamaria.” Ahabhu akati, “Nezvatarongerana pano izvi, ndinokuregera zvako uende.” Naizvozvo akaita chibvumirano naye akabva amurega oenda zvake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Bhenihadhadhi akati kwaari, “Ndichadzosa maguta akatorerwa baba vako nababa vangu; ungazviitira migwagwa muDhamasiko, sezvakaita baba vangu paSamaria.” Ahabhi akati, “Ini ndichakutendera kuenda nokuda kwesungano iyi.” Naizvozvo akaita sungano naye, akamutendera kuenda.
Shona 2009?
Zvino Bhenihadhadhi akati kwaari, "Ndichadzosa maguta akatorerwa baba vako nababa vangu; ungazviitira migwagwa muDhamasiko, sezvakaita baba vangu paSamaria." Ahabhi akati, "Ini ndichakutendera kuenda nokuda kwesungano iyi." Naizvozvo akaita sungano naye, akamutendera kuenda.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Bhenihadhadhi akati kwaari, “Ndichadzosa maguta akatorerwa baba vako nababa vangu; ungazviitira migwagwa muDhamasikosi, sezvakaita baba vangu paSamaria.” Ahabhi akati, “Ini ndichakutendera kuenda nokuda kwesungano iyi.” Naizvozvo akaita sungano naye, akamutendera kuenda.