1 Kings 20:36 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo akati kwaari: Ɀausina‐kuterera inzwi raJehova, tarira, ucaʋurawa neshumba kana ucaŋgobva kwandiri. Ɀino wakati acaŋgobva kwaari, shumba ikamuwana, ikamuʋuraya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo muprofita akati, “Zvausina kuteerera Jehovha, uchingobva pano pandiri, uchaurayiwa neshumba.” Zvino murume uyu achangobva paakanga ari, shumba yakamuwana ikamuuraya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye ndokubva amuti, “Chinzwa, pamusana pokuti waramba kuteerera zvarehwa naTenzi paunongobva chete pandiri pano uchaurayiwa neshumba.” Paakangobva paiva nomunhu uya shumba yakasangana naye ikamuuraya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo akati kwaari, “Zvausina kuteerera izwi raJehovha, tarira, uchaurawa neshumba kana uchangobva kwandiri.” Zvino wakati achangobva kwaari, shumba ikamuwana, ikamuuraya.
Shona 2009?
Ipapo akati kwaari, "Zvausina kuteerera inzwi raJehovha, tarira, uchaurawa neshumba kana uchangobva kwandiri." Zvino wakati achangobva kwaari, shumba ikamuwana, ikamuuraya.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo akati kwaari, “Zvausina kuteerera izwi raJehovha, tarira, uchaurayiwa neshumba kana uchangobva kwandiri.” Zvino wakati achangobva kwaari, shumba ikamuwana, ikamuuraya.