1 Kings 20:39 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambo wakati acipfuʋura, akaɗanidzira kunamambo, akati: Muranda wenyu wakaŋga apinda pakati pokurwa, ndikaʋona munhu acitsauka, akaʋuya kwandiri nomumŋe murume, akati: Rinda munhu uyu; kana akatoŋgoshaikwa, ʋupenyu bgake bgucatsibga noʋupenyu bgako; kana iɀo ɀikakona, ucafanira kuripa netarenta resirveri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo paakanga ava kupfuura nepo muprofita akadanidzira kwaari akati, “Muranda wenyu akaenda pakatikati pehondo payakanga ichirwiwa, mumwe munhu akauya kwandiri nomusungwa akati, ‘Chengeta murume uyu. Kana akashayikwa upenyu hwako huchatsiva hwake, kana kuti ucharipa netarendaa resirivha.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakanga pava kupfuura mambo akadaidzira kuna mambo achiti, “Ini muranda wenyu ndakapinda mukati mayo hondo ichirwiwa, ndiye onei murwi wehondo auya kwandiri nomunhu akanditi, ‘Chengeta munhu uyu, akangoshayikwa chete upenyu hwake hunotoripwa norufu rwako kana kuti unoripa zviuru zvitatu zvemari yesirivha.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mambo wakati achipfuura, akadanidzira kuna mambo, akati, “Muranda wenyu wakanga apinda pakati pokurwa, ndikaona munhu achitsauka, akauya kwandiri nomumwe murume, akati, ‘Rinda munhu uyu; kana akatongoshaikwa, upenyu hwake huchatsiwa noupenyu hwako; kana izvo zvikakona, uchafanira kuripa netarenda resirivha.’ ”
Shona 2009?
Zvino mambo wakati achipfuura, akadanidzira kuna mambo, akati, "Muranda wenyu wakanga apinda pakati pokurwa, ndikaona munhu achitsauka, akauya kwandiri nomumwe murume, akati, `Rinda munhu uyu; kana akatongoshaikwa, upenyu hwake huchatsihwa noupenyu hwako; kana izvo zvikakona, uchafanira kuripa netarenda resirivha.' "
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mambo wakati achipfuura, akadanidzira kuna mambo, akati, “Muranda wenyu wakanga apinda pakati pokurwa, ndikaona munhu achitsauka, akauya kwandiri nomumwe murume, akati, ‘Rinda munhu uyu; kana akatongoshaikwa, upenyu hwake huchatsiwa noupenyu hwako; kana izvo zvikakona, uchafanira kuripa netarenda resirivha.’ ”