1 Kings 20:40 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino muranda wenyu wakati aciɓata‐ɓata hake pano napapo, iye akanyaŋgarika. Mambo waIsraeri akati kwaari: Ndiɀo ɀaucatoŋgerwa, waɀitoŋga umene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muranda wenyu paakanga ari mubishi rokuita basa pano nekoko, murume uya akanyangarika.” Mambo weIsraeri akati, “Iwoyo ndiwo mutongo wako. Ndiwe wautaura woga.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Pandakanga ndati batikanei nebasa munhu uye ndopaakandiverera.” Mambo wokwaIsiraeri ndokumuti, “Kutongwa kwako kuchava ndikoko, sokutaura kwawaita.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino muranda wenyu wakati achibatabata hake pano napapo, iye akanyangarika. Mambo waIsiraeri akati kwaari, “Ndizvo zvauchatongerwa, wazvitonga umene.”
Shona 2009?
Zvino muranda wenyu wakati achibatabata hake pano napapo, iye akanyangarika. Mambo waIsiraeri akati kwaari, "Ndizvo zvauchatongerwa, wazvitonga umene."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino muranda wenyu wakati achibata–bata hake pano napapo, iye akanyangarika. Mambo waIsiraeri akati kwaari, “Ndizvo zvauchatongerwa, wazvitonga umene.”