1 Kings 20:42 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati kwaari: Ɀanzi naJehova: Ɀawatendera munhu kupukunyuka pamaʋoko ako, iye wakaŋga atukwa neni kuti aparadzwe, naiɀoɀo ʋupenyu bgake bgucatsibga noʋupenyu bgako, ʋuye ʋanhu ʋake ʋacatsibga naʋanhu ʋako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati kuna mambo, “Zvanzi naJehovha, ‘Wakasunungura munhu wandakanga ndati anofanira kufa. Naizvozvo upenyu hwako huchatsiva hwake, vanhu vako vachatsiva vanhu vake.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akabva ati kuna mambo, “Zvanzi naTenzi, ‘Pamusana pokuti wakatorega zvako iwe munhu wandakanga ndatemera kuparadzwa akatoenda zvake, naizvozvo kuva mupenyu kwake kuchatoripwa norufu rwako vanhuwo vake vachiripwa noupenyu hwavanhu vako.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati kwaari, “Zvanzi naJehovha, ‘Zvawatendera munhu kupukunyuka pamaoko ako, iye wakanga atukwa neni kuti aparadzwe, naizvozvo upenyu hwake hwuchatsiwa noupenyu hwako, uye vanhu vake vachatsiwa navanhu vako.’ ”
Shona 2009?
Iye akati kwaari, "Zvanzi naJehovha, `Zvawatendera munhu kupukunyuka pamaoko ako, iye wakanga atukwa neni kuti aparadzwe, naizvozvo upenyu hwake hwuchatsihwa noupenyu hwako, uye vanhu vake vachatsihwa navanhu vako.' "
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati kwaari, “Zvanzi naJehovha, ‘Zvawatendera munhu kupukunyuka pamaoko ako, iye wakanga atukwa neni kuti aparadzwe, naizvozvo upenyu hwake hwuchatsiwa noupenyu hwako, uye vanhu vake vachatsiwa navanhu vako.’ ”