1 Kings 20:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo waIsraeri wakaɗana ʋakuru ʋose ʋenyika, akati: Cerekedzai, muʋone, kuti munhu uyu unotȿaka kutiitira ɀakaipa; nokuti wakatuma shoko kwandiri, aciti ucatora ʋakadzi ʋaŋgu naʋana ʋaŋgu, nesirveri yaŋgu nendarama yaŋgu, ndikasamurambira cinhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo weIsraeri akadana vakuru vose venyika akati kwavari, “Tarisai muone kuti murume uyu ari kutsvaga muromo sei! Paakati ari kuda kutora vakadzi vangu navana vangu, nesirivha yangu negoridhe rangu, handina kurambira.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo wokwaIsiraeri akadaidza vakuru vakuru vose venyika iyoyi akati, “Zvino cherechedzaiwo apa muone, muromo ndowaari kutsvaga munhu uyu nokuti akatumira nhume dzokuzonditorera vakadzi vangu navana vangu nesirivha yangu nendarama yangu, ini handina kuramba nazvo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo waIsiraeri wakadana vakuru vose venyika, akati, “Cherekedzai, muwone, kuti munhu uyu unotsvaka kutiitira zvakaipa; nokuti wakatuma shoko kwandiri, achiti uchatora vakadzi vangu navana vangu, nesirivha yangu nendarama yangu, ndikasamurambira chinhu.”
Shona 2009?
Ipapo mambo waIsiraeri wakadana vakuru vose venyika, akati, "Cherekedzai, muvone, kuti munhu uyu unotsvaka kutiitira zvakaipa; nokuti wakatuma shoko kwandiri, achiti uchatora vakadzi vangu navana vangu, nesirivha yangu nendarama yangu, ndikasamurambira chinhu."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo waIsiraeri wakadana vakuru vose venyika, akati, “Cherechedzai, muwone, kuti munhu uyu unotsvaka kutiitira zvakaipa; nokuti wakatuma shoko kwandiri, achiti uchatora vakadzi vangu navana vangu, nesirivha yangu nendarama yangu, ndikasamurambira chinhu.”