1 Kings 21:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋarume ʋaʋiri ʋakaiȿo‐ipa ʋakapinda, ʋakandogara pamberi pake; ʋarume aʋa ʋakaiȿo‐ipa ʋakamupupurira, iye Naboti, pamberi paʋanhu, ʋakati: Naboti wakatuka Mŋari namambo. Ɀino ʋakaɓuɗa naye paguta, ʋakamutaka namabge, akafa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo nhubu mbiri dzakauya dzikagara dzakatarisana naye dzikapomera Nabhoti mhosva pamberi pavanhu, dzichiti, “Nabhoti akatuka Mwari namambo.” Naizvozvo vakamutora vakaenda naye kunze kweguta vakamutaka namabwe kusvikira afa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Madzenga maviri aya akapinda akagara akatarisana naye. Madzenga aya akapomera Nabhoti mhosva vanhu vachinzwa achiti, “Nabhoti akashonha Mwari, akashora mambo.” Ndokubva vamuburitsa kunze kweguta vakamutema namabwe akafa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varume vaviri vakaisvoipa vakapinda, vakandogara pamberi pake; varume ava vakaisvoipa vakamupupurira, iye Nabhoti, pamberi pavanhu, vakati, “Nabhoti wakatuka Mwari namambo.” Zvino vakabuda naye paguta, vakamutaka namabwe, akafa.
Shona 2009?
Zvino varume vaviri vakaisvoipa vakapinda, vakandogara pamberi pake; varume ava vakaisvoipa vakamupupurira, iye Nabhoti, pamberi pavanhu, vakati, "Nabhoti wakatuka Mwari namambo." Zvino vakabuda naye paguta, vakamutaka namabwe, akafa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varume vaviri vakaisvoipa vakapinda, vakandogara pamberi pake; varume ava vakaisvoipa vakamupupurira, iye Nabhoti, pamberi pavanhu, vakati, “Nabhoti wakatuka Mwari namambo.” Zvino vakabuda naye paguta, vakamutaka namabwe, akafa.