1 Kings 21:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Izeberi wakati acinzwa kuti Naboti watakwa namabge, wafa, Izeberi akati kunaAhabi: Simukai, mundoɀitorera munda wemizambiriŋga waNaboti muJezreeri, uyo waakaɗeya kuramba kukupai, ŋguʋa yamakaɗa kumupa mari, nokuti Naboti haaciri mupenyu, asi wafa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jezebheri paakangonzwa chete kuti Nabhoti akanga atakwa namabwe akafa, akati kuna Ahabhu, “Simukai muende mundotora munda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri waakaramba kukutengeserai. Haachisiri mupenyu, asi afa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jezebhero akati achinzwa kuti Nabhoti akatemwa namabwe akafa, Jezebhero akati kuna Ahabhu, “Chisimukai zvenyu mundotora munda wemagirepisi waNabhoti womuJezirieri muno waakaramba kukupai kukutengeserai nemari.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Izebheri wakati achinzwa kuti Nabhoti watakwa namabwe, wafa, Izebheri akati kunaAhabhi, “Simukai, mundozvitorera munda wemidzambiringa waNabhoti muJezereri, uyo waakadeya kuramba kukupai, nguva yamakada kumupa mari, nokuti Nabhoti haachiri mupenyu, asi wafa.”
Shona 2009?
Zvino Izebheri wakati achinzwa kuti Nabhoti watakwa namabwe, wafa, Izebheri akati kunaAhabhi, "Simukai, mundozvitorera munda wemizambiringa waNabhoti muJezereeri, uyo waakadeya kuramba kukupai, nguva yamakada kumupa mari, nokuti Nabhoti haachiri mupenyu, asi wafa."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jezebheri wakati achinzwa kuti Nabhoti watakwa namabwe, wafa, Jezebheri akati kuna Ahabhi, “Simukai, mundozvitorera munda wemizambiringa waNabhoti muJezereri, uyo waakadeya kuramba kukupai, nguva yamakada kumupa mari, nokuti Nabhoti haachiri mupenyu, asi wafa.”