1 Kings 21:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Ahabi akataura naNaboti, akati: Ndipe munda wako wemizambiriŋga, ndiuite munda wemiriʋo, nokuti uri pedyo neimba yaŋgu; ini ndigokupa mumŋe munda wemizambiriŋga unokunda uyu; ɀimŋe, kana uciɗa, ndiŋgakupa mari yakariŋgana muteŋgo wawo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ahabhu akati kuna Nabhoti, “Ndipe munda wako wemizambiringa kuti ndiuite bindu romuriwo, sezvo uri pedyo nomuzinda wangu. Ini ndichatsinhanhisa nokukupa munda wemizambiringa uri nani, kana kuti, kana uchida, ndichakuripa mari inoenderana nomutengo wawo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ahabhu akazoti kuna Nabhoti uyu, “Munda wako zvauri pedyo nomuzinda wangu, dai wandipa munda iwoyo ndachiuita munda wangu womuriwo ndigokupa mumwe munda wemagirepisi wakapinda iwoyu kunaka, kana wada ndokupa iri mari yokuutenga.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Ahabhi akataura naNabhoti, akati, “Ndipe munda wako wemidzambiringa, ndiuite munda wemiriwo, nokuti uri pedyo neimba yangu; ini ndigokupa mumwe munda wemidzambiringa unokunda uyu; zvimwe, kana uchida, ndingakupa mari yakaringana mutengo wawo.”
Shona 2009?
Zvino Ahabhi akataura naNabhoti, akati, "Ndipe munda wako wemizambiringa, ndiuite munda wemiriwo, nokuti uri pedo neimba yangu; ini ndigokupa mumwe munda wemizambiringa unokunda uyu; zvimwe, kana uchida, ndingakupa mari yakaringana mutengo wawo."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Ahabhi akataura naNabhoti, akati, “Ndipe munda wako wemizambiringa, ndiuite munda wemiriwo, nokuti uri pedyo neimba yangu; ini ndigokupa mumwe munda wemizambiringa unokunda uyu; zvimwe, kana uchida, ndingakupa mari yakaringana mutengo wawo.”