1 Kings 21:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ahabi akati kunaEria: Wandiwana, iwe muʋeŋgi waŋgu, here? Akapindura, akati: Ndakuwana; nokuti waɀiteŋgesa kuti uite ɀakaipa pamberi paJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ahabhu akati kuna Eria, “Saka wandiwanaka, muvengi wangu!” Akapindura akati, “Ndakuwana nokuti wazvitengesa kuti uite zvakaipa pamberi paJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ahabhu akati kuna Eriya, “Heya muvengi wangu wandiwana panoka iwe!” Iye akapindura achiti, “Heeka ndakuwanikidzai, matozvitengesaka izvozvi nokuita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ahabhi akati kuna Eria, “Wandiwana, iwe muvengi wangu here?” Akapindura, akati, “Ndakuwana; nokuti wazvitengesa kuti uite zvakaipa pamberi paJehovha.
Shona 2009?
Ahabhi akati kuna Eria, "Wandiwana, iwe muvengi wangu here?" Akapindura, akati, "Ndakuwana; nokuti wazvitengesa kuti uite zvakaipa pamberi paJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Ahabhi akati kuna Eriya, “Wandiwana, iwe muvengi wangu here?” Akapindura, akati, “Ndakuwana; nokuti wazvitengesa kuti uite zvakaipa pamberi paJehovha.