1 Kings 21:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Ahabi akapinda mumba make, aʋora mŋoyo, aneshuŋgu, nokuɗa kweshoko raakaŋga aʋudzwa naNaboti muJezreeri; nokuti iye wakaŋga ati: Handiŋgakupiyi nhaka yamadziɓaɓa aŋgu. Akaʋata panhoʋo yake, akatendeʋudza ciso cake, akaramba kudya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Ahabhu akaenda kumba akasuwa uye akashatirwa nokuti Nabhoti muJezireeri akanga ati, “Handisi kuzokupai nhaka yamadzibaba angu.” Akarara pamubheda wake akazvidya mwoyo, akaramba kudya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ahabhu akapinda mumuzinda make atsamwa ashatirwa pamusana pemhinduro yaakapiwa naNabhoti wokuJezirieri nokuti akanga ati, “Hazvingamboitika kuti ndikupei nhaka yamadzibaba angu.” Ndokubva andoti pamubhedha wake bhi-i kurara akatarisa rutivi ndokuramwa zvokudya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Ahabhi akapinda mumba make, awora mwoyo, ane shungu, nokuda kweshoko raakanga audzwa naNabhoti muJezereri; nokuti iye wakanga ati, “Handingakupiyi nhaka yamadzibaba angu.” Akavata panhoo yake, akatendeudza chiso chake, akaramba kudya.
Shona 2009?
ipapo Ahabhi akapinda mumba make, avora moyo, ane shungu, nokuda kweshoko raakanga audzwa naNabhoti muJezereeri, nokuti iye wakanga ati, "Handingakupiyi nhaka yamadzibaba angu." Akavata panhovo yake, akatendeudza chiso chake, akaramba kudya.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Ahabhi akapinda mumba make, awora mwoyo, ane shungu, nokuda kweshoko raakanga audzwa naNabhoti muJezereri; nokuti iye wakanga ati, “Handingakupiyi nhaka yamadzibaba angu.” Akavata panhoo yake, akatendeudza chiso chake, akaramba kudya.