1 Kings 21:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Izeberi mukadzi wake akaenda kwaari, akati: Mŋoyo wenyu uneshuŋgu neiko, ɀamusiŋgaɗi kudya?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jezebheri, mukadzi wake, akapindamo akamubvunza akati, “Sei makasuwa kudai? Sei musiri kudya?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi mukadzi wake Jezebhero akaenda paari akamuti, “Ko kutsamwa kudai zvaita sei? Kubva matoramwa chokudya!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Izebheri mukadzi wake akaenda kwaari, akati, “Mwoyo wenyu une shungu neiko, zvamusingadi kudya?”
Shona 2009?
Zvino Izebheri mukadzi wake akaenda kwaari, akati, "moyo wenyu une shungu neiko, zvamusingadi kudya?"
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jezebheri mukadzi wake akaenda kwaari, akati, “Mwoyo wenyu une shungu neiko, zvamusingadi kudya?”