1 Kings 21:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati kwaari: Nokuti ndakataura naNaboti muJezreeri, ndikati kwaari: Ndipe munda wako wemizambiriŋga, ndiuteŋge nemari; asi kana uciɗa hako, ndicakupa mumŋe munda wemizambiriŋga panɀimbo yawo, iye akapindura, akati: Handiŋgakupiyi munda waŋgu wemizambiriŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akamupindura akati, “Nokuti ndati kuna Nabhoti muJezireeri, ‘Nditengesere munda wako wemizambiringa; kana kuti, kana uchida, ndichakupa mumwe munda wemizambiringa kune imwe nzvimbo kuti, utsive uyu.’ Asi iye ati, ‘Handisi kuzokupai munda wangu wemizambiringa.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ahabhu akamupindura achiti, “Ndataura ini naNabhoti uyu womuJezirieri muno. Ndokumuti nditengesere munda wako nemari. Kana kuti ndokupa mumwe munda wemagirepisi kana uchida. Nabhoti anditi, ‘Handikupei munda wangu.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati kwaari, “Nokuti ndakataura naNabhoti muJezereri, ndikati kwaari, ‘Ndipe munda wako wemidzambiringa, ndiutenge nemari; asi kana uchida hako, ndichakupa mumwe munda wemidzambiringa panzvimbo yawo,’ iye akapindura, akati, ‘Handingakupiyi munda wangu wemidzambiringa.’ ”
Shona 2009?
Iye akati kwaari, "Nokuti ndakataura naNabhoti muJezereeri, ndikati kwaari, `Ndipe munda wako wemizambiringa, ndiutenge nemari; asi kana uchida hako, ndichakupa mumwe munda wemizambiringa panzvimbo yawo,' iye akapindura, akati, `Handingakupiyi munda wangu wemizambiringa.' "
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati kwaari, “Nokuti ndakataura naNabhoti muJezereri, ndikati kwaari, ‘Ndipe munda wako wemizambiringa, ndiutenge nemari; asi kana uchida hako, ndichakupa mumwe munda wemizambiringa panzvimbo yawo,’ iye akapindura, akati, ‘Handingakupiyi munda wangu wemizambiringa.’ ”