1 Kings 21:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Izeberi mukadzi wake akati kwaari: Ko hamuzi’mi munoɓata ʋushe pakati paIsraeri here? Mukai, mudye, mŋoyo wenyu ufare, nokuti ini ndicakupai munda wemizambiriŋga waNaboti muJezreeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jezebheri, mukadzi wake akati, “Izvi ndizvo here zvamunoita samambo weIsraeri? Simukai mudye! Faranukai. Ndichakuwanirai munda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mudzimai wake Jezebhero akamuti “Muchiri kutonga Isiraeri iyemi? Timukirei zvedu apa mudye zvokudya, mwoyo wenyu usununguke. Ndichakupai ini munda wemagirepisi iwoyo waNabhoti womuJezirieri muno.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Izebheri makadzi wake akati kwaari, “Ko hamuzimi munobata ushe pakati paIsiraeri here? Mukai, mudye, mwoyo wenyu ufare, nokuti ini ndichakupai munda wemidzambiringa waNabhoti muJezereri.”
Shona 2009?
Zvino Izebheri makadzi wake akati kwaari, "Ko hamuzimi munobata ushe pakati paIsiraeri here? Mukai, mudye, moyo wenyu ufare, nokuti ini ndichakupai munda wemizambiringa waNabhoti muJezereeri."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jezebheri makadzi wake akati kwaari, “Ko hamuzimi munobata ushe pakati paIsiraeri here? Mukai, mudye, mwoyo wenyu ufare, nokuti ini ndichakupai munda wemizambiringa waNabhoti muJezereri.”