1 Kings 21:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akanyora paŋwadi idzo, aciti: Tarai musi wokuɀinyima ɀokudya nawo, mukudze Naboti pakati paʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumatsamba aya akanyora akati: “Daidzirai zuva rokutsanya mugogadzika Nabhoti panzvimbo yakakwirira pakati pavanhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutsamba idzodzi akanyora kuti, “Itii vanhu vatsanye muti Nabhoti agare mberi kwevanhu,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akanyora pan’wadhi idzo, achiti, “Tarirai musi wokuzvinyima zvokudya nawo, mukudze Nabhoti pakati pavanhu.
Shona 2009?
Akanyora pamwadhi idzo, achiti, "Tarirai musi wokutsanya nawo, mukudze Nabhoti pakati pavanhu.
Shona SUB 2002 Bible
Akanyora patsamba idzo, achiti, “Tarirai musi wokuzvinyima zvokudya nawo, mukudze Nabhoti pakati pavanhu.