1 Kings 22:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Zedekia mŋanakomana waKenaani akaɀiitira nyaŋga dzamatare, akati: Ɀanzi naJehova: Nedzidzi mucatuŋga ʋaSiria, kuȿikira ʋapera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Zedhekia mwanakomana waKenaana akanga agadzira nyanga dzesimbi, akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Nedzidzi muchatunga vaAramu kusvikira vaparara!’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zedhekiya mwanakomana waKenaana akazvigadzirira nyanga dzesimbi ndokuti, “Zvanzi naTenzi, ‘Nenyanga idzi uchatunga nadzo vaSiria kusvikira vaparadzwa.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zedhekia mwanakomana waKenaani akazviitira nyanga dzamatare, akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Nedzidzi muchatunga vaSiria, kusvikira vapera.’ ”
Shona 2009?
Zedhekia mwanakomana waKenaani akazviitira nyanga dzamatare, akati, "Zvanzi naJehovha, `Nedzidzi muchatunga vaSiria, kusvikira vapera.'
Shona SUB 2002 Bible
Zedhekiya mwanakomana waKenaani akazviitira nyanga dzamatare, akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Nedzidzi muchatunga VaSiria, kusvikira vapera.’ ”