1 Kings 22:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino nhume yakaŋga yandoɗana Mikaya yakataura kwaari, ikati: Tarirai, mashoko aʋaprofita anobvumirana acitaura ɀakanaka kunamambo; ɀino ndinokumbira kuti shoko renyu riʋe seshoko romumŋe waʋo, mutaure ʋo ɀakanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nhume yakanga yaenda kundodana Mikaya yakati kwaari, “Tarirai, somunhu mumwe chete, vamwe vaprofita vari kutaura kuti mambo vachabudirira. Shoko renyu ngaribvumirane neravo, uye mutaurewo zvakanaka.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nhumwa yakaenda kundodaidza Mikaya yakamuti, “Chinzwaika, vaporofita vose shoko ravari kutaura rimwechete rokuti zvinhu zvichandonakira mambo uku. Saka imimi dai zvamuchandotaura zvikafananawo nezviri kutaurwa ikoko zvivewo zvakanaka.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nhume yakanga yandodana Mikaya yakataura kwaari, ikati, “Tarirai, mashoko avaporofita anobvumirana achitaura zvakanaka kuna mambo; zvino ndinokumbira kuti shoko renyu rive seshoko romumwe wavo, mutaurewo zvakanaka.”
Shona 2009?
Zvino nhume yakanga yandodana Mikaya yakataura kwaari, ikati, "Tarirai, mashoko avaporofita anobvumirana achitaura zvakanaka kuna mambo; zvino ndinokumbira kuti shoko renyu rive seshoko romumwe wavo, mutaurewo zvakanaka."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nhume yakanga yandodana Mikaya yakataura kwaari, ikati, “Tarirai, mashoko avaporofita anobvumirana achitaura zvakanaka kuna mambo; zvino ndinokumbira kuti shoko renyu rive seshoko romumwe wavo, mutaurewo zvakanaka.”