1 Kings 22:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati aciȿika kunamambo, mambo akati kwaari: Mikaya, tiende kundorwa neRamoti‐gireadi here, kana tirege? Akamupindura, akati: Endai henyu, mucakunda, nokuti Jehova ucariisa muruʋoko rwamambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Paakasvika, mambo akamubvunza akati, “Mikaya, toenda here kundorwa neRamoti Gireadhi, kana kuti torega?” Akapindura akati, “Rwisai mukunde nokuti Jehovha achariisa muruoko rwamambo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakasvika pana mambo, mambo akamubvunza kuti, “Nhai Mikaya toenda here kundorwisa guta reRamotigireadhi kana kuti torega zvedu?” Iye akapindura achiti, “A endai zvenyuka mundokundaka, Tenzi achariisaka mumaoko amambo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino wakati achisvika kuna mambo, mambo akati kwaari, “Mikaya, tiende kundorwa neRamotigireadhi here, kana tirege?” Akapindura, akati, “Endai henyu, muchakunda, nokuti Jehovha uchariisa muruoko rwamambo.”
Shona 2009?
Zvino wakati achisvika kuna mambo, mambo akati kwaari, "Mikaya, tiende kundorwa neRamotiGiriyadhi here, kana tirege?" Akapindura, akati, "Endai henyu, muchakunda, nokuti Jehovha uchariisa muruoko rwamambo."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino wakati achisvika kuna mambo, mambo akati kwaari, “Mikaya, tiende kundorwa neRamoti-giriyadhi here, kana tirege?” Akapindura, akati, “Endai henyu, muchakunda, nokuti Jehovha uchariisa muruoko rwamambo.”