1 Kings 22:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jehova akati: Ndianiko ucandonyeŋgera Ahabi, aende, andoʋurawa paRamoti‐gireadi? Ɀino mumŋe akati ɀokuti, nomumŋe ɀe akati ɀokuti.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Jehovha akati, ‘Ndiani achaenda kundokwezva Ahabhu kuti arwise Ramoti Gireadhi agoenda kundofira ikoko?’ “Mumwe akataura izvi, mumwe akataura izvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi ati, ‘Ndiyani angaende zvake akafurira Ahabhu kuti aende kuguta reRamoti kuGireadhi andopararirako?’ Vadomatoma vachitaura twakasiyana-siyana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jehovha akati, “Ndianiko uchandonyengera Ahabhi, aende, andourawa paRamotigireadhi?” Zvino mumwe akati zvokuti, nomumwezve akati zvokuti.
Shona 2009?
Ipapo Jehovha akati, "Ndianiko uchandonyengera Ahabhi, aende, andourawa paRamotiGiriyadhi?" Zvino mumwe akati zvokuti, nomumwezve akati zvokuti.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Jehovha akati, “Ndianiko uchandonyengera Ahabhi, aende, andourayiwa paRamoti-giriyadhi?” Zvino mumwe akati zvokuti, nomumwezve akati zvokuti.