1 Kings 22:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo waIsraeri akati kuʋaranda ʋake: Munoziʋa here kuti Ramoti‐gireadi ndereɗu? Asi isu tigere heɗu tinyerere, tisiŋgaritori kunamambo weSiria.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo weIsraeri akanga ati kuvaranda vake, “Hamuzivi here kuti Ramoti Gireadhi ndeyedu asi hapana chatiri kuita kuti tiitore zvakare kubva kuna mambo weAramu?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo wokwaIsiraeri akakurukura namakurukota ake achiti, “Zviye munoziva here kuti guta reRamotigireadhi nderedu. Asi isu toramba here takangonyarara tisingaritorere mambo weSiria.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo waIsiraeri akati kuvaranda vake, “Munoziva here kuti Ramotigireadhi nderedu? Asi isu tigere hedu tinyerere, tisingaritori kuna mambo weSiria.”
Shona 2009?
Ipapo mambo waIsiraeri akati kuvaranda vake, "Munoziva here kuti RamotiGiriyadhi nderedu? Asi isu tigere hedu tinyerere, tisingaritori kuna mambo weSiria."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo waIsiraeri akati kuvaranda vake, “Munoziva here kuti Ramoti-giriiyadhi nderedu? Asi isu tigere hedu tinyerere, tisingaritori kuna mambo weSiria.”