1 Kings 22:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambo waIsraeri akati kunaJehoshafati: Ini ndicaɀishandura, ndigondorwa; asi iwe cifuka ŋguʋo dzako dzoʋushe. Mambo waIsraeri akaɀishandura, akandorwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo weIsraeri akati kuna Jehoshafati, “Ndichapinda muhondo iyi ndichinge mumwe munhu, asi iwe pfeka mbatya dzako dzoumambo.” Saka mambo weIsraeri akazviita somumwe munhu akaenda kundorwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Ndichazvivanziridza kuita sokunge mumwewo munhu ndipindewo mukati mokurwa asi imi mopfeka magemenzi enyu oumambo.” Mambo wokwaIsiraeri akazvivanziridza akaita sokunge mumwewo munhu, ndokubva apindawo mukati mehondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Ini ndichazvishandura, ndigondorwa; asi iwe chifuka nguo dzako dzoushe.” Mambo waIsiraeri akazvishandura, akandorwa.
Shona 2009?
Zvino mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, "Ini ndichazvishandura, ndigondorwa; asi iwe chifuka nguvo dzangu dzoushe." Mambo waIsiraeri akazvishandura, akandorwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Ini ndichazvishandura, ndigondorwa; asi iwe chifuka nguo dzako dzoushe.” Mambo waIsiraeri akazvishandura, akandorwa.