1 Kings 22:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋatariri ʋeŋgoro ʋakati ʋaciʋona Jehoshafati, ʋakati: Ɀirokwaɀo ndiye mambo waIsraeri. Ʋakatsaukira kundorwa naye; ɀino Jehoshafati akaridza mhere.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vatungamiri vengoro pavakaona Jehoshafati, vakafunga kuti, “Zvirokwazvo uyu ndiye mambo weIsraeri.” Naizvozvo vakatendeuka kuti vamurwise, asi Jehoshafati paakaridza mhere,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakuru vakuru vengoro dzehondo vaya pavakaona Jehoshafati vakati, “Ndiyeyu chete mambo wokwaIsiraeri.” Ndokubva vati naye tande kumurwisa, Jehoshafati ndokubva aridza mhere.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vatariri vengoro vakati vachiona Jehoshafati, vakati, “Zvirokwazvo ndiye mambo waIsiraeri.” Vakatsaukira kundorwa naye; zvino Jehoshafati akaridza mhere.
Shona 2009?
Zvino vatariri vengoro vakati vachiona Jehoshafati, vakati, "Zvirokwazvo ndiye mambo waIsiraeri." Vakatsaukira kundorwa naye; zvino Jehoshafati akaridza mhere.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vatariri vengoro vakati vachiona Jehoshafati, vakati, “Zvirokwazvo ndiye mambo waIsiraeri.” Vakatsaukira kundorwa naye; zvino Jehoshafati akaridza mhere.