1 Kings 22:34 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mumŋe murume akahwembura ʋuta bgake asiŋgashumbi hake, akafura mambo waIsraeri pakati peɀisuŋgo ɀeŋguʋo dzake dzokurwa nadzo; ipapo mambo akati kumufambisi weŋgoro yake: Dzoka, undiise kunze kwehondo, nokuti ndakuʋadzwa kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi mumwe murume akapfura museve wake chipfurepfure akabva abaya mambo weIsraeri paisangana zvipenga zvembatya dzake dzehondo. Mambo akati kumuchairi wengoro yake, “Tendeutsa ngoro undibvise pano pari kurwiwa. Ndakuvadzwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi mumwe murume akangokandawo museve ukabaya mambo wokwaIsiraeri nechepakati pedemautare rapadundundu rokuzvidzivirira naro, naizvozvo akati kumuchairi wengoro yake yehondo, “Chitendeuka unditakurire kunze hwehondo. Ndakuvadzwa ini!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mumwe murume akahwembura uta hwake asingashumbi, hake, akafura mambo waIsiraeri pakati pezvisungo zvenguo dzake dzokurwa nadzo; ipapo mambo akati kumufambisi wengoro yake, “Dzoka, undiise kunze kwehondo, nokuti ndakuvadzwa kwazvo.”
Shona 2009?
Zvino mumwe murume akabwembura uta hwake asingashumbi, hake, akafura mambo waIsiraeri pakati pezvisungo zvenguvo dzake dzokurwa nadzo, ipapo mambo akati kumufambisi wengoro yake, "Dzoka, undiise kunze kwehondo, nokuti ndakuvadzwa kwazvo."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mumwe murume akahwembura uta hwake asingashumbi, hake, akafura mambo waIsiraeri pakati pezvisungo zvenguo dzake dzokurwa nadzo; ipapo mambo akati kumufambisi wengoro yake, “Dzoka, undiise kunze kwehondo, nokuti ndakuvadzwa kwazvo.”