1 Kings 22:35 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kurwa kukanyanya kwaɀo nomusi uyo; mambo akatsigirwa muŋgoro yake pakurwa naʋaSiria, akafa maɗekwana; ropa rikaɓuɗa paʋaŋga rikayerera mukati meŋgoro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hondo yakarwiwa zuva rose, uye mambo akaita zvokutsigirwa mungoro yake akatarisa vaAramu. Ropa rakabva paronda rake rakaerera rikaenda mukati mengoro, uye manheru iwayo akabva afa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hondo yakatsviriridza musi iwoyo, mambo ndokuramba akatsigirirwa ari mungoro yake yehondo akatarisa kuvaSiria kusvikira kumanheru ndokubva afa. Ropa reronda iri rakayererera pasi mungoro yehondo imomo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kurwa kukanyanya kwazvo nomusi uyo; mambo akatsigirwa mungoro yake pakurwa navaSiria, akafa madekwana; ropa rikabuda pavanga rikayerera mukati mengoro.
Shona 2009?
Kurwa kukanyanya kwazvo nomusi uyo; mambo akatsigirwa mungoro yake pakurwa navaSiria, akafa madekwana; ropa rikabuda pavanga rikaerera mukati mengoro.
Shona SUB 2002 Bible
Kurwa kukanyanya kwazvo nomusi uyo; mambo akatsigirwa mungoro yake pakurwa naVaSiria, akafa madekwana; ropa rikabuda pavanga rikayerera mukati mengoro.