1 Kings 22:39 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mamŋe maɓasa aAhabi, neɀose ɀaakaita, neimba yenyaŋga dzenzou yaakaʋaka, namaguta ose aakaʋaka, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaAhabhu, zvichisanganisira zvose zvaakaita, muzinda waakavaka nenyanga dzenzou, namaguta aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Inga dzimwe nyaya dzezvaAhabhu nezvinhu zvose zvaakaita nemba yomunyanga wenzou yaakavaka namaguta ose aakavaka, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mamwe mabasa aAhabhi, nezvose zvaakaita, neimba yenyanga dzenzou yaakavaka, namaguta ose aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aIsiraeri?
Shona 2009?
Zvino mamwe mabasa aAhabhi, nezvose zvaakaita, neimba yenyanga dzenzou yaakavaka, namaguta ose aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mamwe mabasa aAhabhi, nezvose zvaakaita, neimba yenyanga dzenzou yaakavaka, namaguta ose aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aIsiraeri?