1 Kings 22:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kunaJehoshafati: Ucaenda neni kundorwa neRamoti‐gireadi here? Jehoshafati akati kunamambo waIsraeri: Ini ndakaita sewe, naʋanhu ʋaŋgu saʋanhu ʋako, namabiza aŋgu samabiza ako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye akakumbira Jehoshafati akati, “Uchaenda neni here kundorwa neRamoti Gireadhi?” Jehoshafati akapindura mambo weIsraeri achiti, “Ini ndakangofanana newe, vanhu vangu vakafanana nevako, mabhiza angu samabhiza ako.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ahabhu akabva ati kuna Jehoshafati, “Hamungaende here neni kuhondo kundorwisa guta reRamotigireadhi?” Jehoshafati akapindura achiti, “Inga tiri vamwechete wani, vanhu vangu vanongovawo vanhu venyu uye mabhiza angu anongovawo mabhiza enyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kuna Jehoshafati, “Uchaenda neni kundorwa neRamotigireadhi here?” Jehoshafati akati kuna mambo waIsiraeri, “Ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako, namabhiza angu samabhiza ako.”
Shona 2009?
Akati kuna Jehoshafati, "Uchaenda neni kundorwa neRamotiGiriyadhi here?" Jehoshafati akati kuna mambo waIsiraeri, "Ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako, namabhiza angu samabhiza ako."
Shona SUB 2002 Bible
Akati kuna Jehoshafati, “Uchaenda neni kundorwa neRamoti-giriyadhi here?” Jehoshafati akati kuna mambo waIsiraeri, “Ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako, namabhiza angu samabhiza ako.”