1 Kings 22:43 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akafamba panzira dzose dzaɓaɓa ʋake Asa; haana‐kutsauka padziri, asi wakaita ɀakarurama pamberi paJehova; kunyaŋge ɀakaɗaro matunhu akakwirira haana‐kubviswa, ʋanhu ʋakaramba ʋaciŋgoɓayira nokupisira ɀinonhuwira pamatunhu akakwirira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazvinhu zvose akafamba munzira dzababa vake Asa uye haana kurasika achibva padziri; akaita zvakanga zvakanaka pamberi paJehovha. Zvisinei, nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa, uye vanhu vakaramba vachipa zvibayiro nokupisa zvinonhuwira ikoko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jehoshafati uyu akatevera makwara ose ababa vake Asa asingambotsaukamo achiita zvakarurama zvinodiwa naTenzi. Zvakadaro zvazvo nzvimbo dziye dzakatunhumara dzokuteurira hadzina kubviswa, vanhu vakaramba vachingopira zvibayiro nokupisawo rusenzi panzvimbo idzodzo dzakatunhumara dzokuteurira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akafamba panzira dzose dzababa vake Asa; haana kutsauka padziri, asi wakaita zvakarurama pamberi paJehovha; kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa, vanhu vakaramba vachingobayira nokupisira zvinonhuwira pamatunhu akakwirira.
Shona 2009?
Akafamba panzira dzose dzababa vake Asa; haana kutsauka padziri, asi wakaita zvakarurama pamberi paJehovha; kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa, vanhu vakaramba vachingobayira nokupisira zvinonhuhwira pamatunhu akakwirira.
Shona SUB 2002 Bible
Akafamba panzira dzose dzababa vake Asa; haana kutsauka padziri, asi wakaita zvakarurama pamberi paJehovha; kunyangwe zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa, vanhu vakaramba vachingobayira nokupisira zvinonhuwira pamatunhu akakwirira.