1 Kings 22:45 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mamŋe maɓasa aJehoshafati, nesimba rakaʋonekwa kwaari, nokurwa kwake, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aJuda?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaJehoshafati, zvinhu zvaakaita nehondo dzaakarwa, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eJudha?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Inga dzimwe nyaya dzezvaJehoshafati nougamba hwake hwaaiita nokurwa hondo kwaaiita, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mamwe mabasa aJehoshafati, nesimba rakaonekwa kwaari, nokurwa kwake, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aJudha?
Shona 2009?
Zvino mamwe mabasa aJehoshafati, nesimba rakaonekwa kwaari, nokurwa kwake, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mamwe mabasa aJehoshafati, nesimba rakaonekwa kwaari, nokurwa kwake, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aJudha?