1 Kings 22:48 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehoshafati akaʋaka ɀikepe ɀeTarshishi kuenda Ofiri kuzotora ndarama; asi haɀina‐kuenda, nokuti ɀikepe ɀakaputsika paEzioni‐geberi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Jehoshafati akavaka chitsama chezvikepe chokutakurisa zvinhu zvokutengesa kuti zviende kuOfiri kundotora goridhe, asi hazvina kuenda nokuti zvakaparara paEzioni Gebheri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jehoshafati akagadzira ngarava dzokuTarishishi dzokuenda nadzo kundotora ndarama kuOfiri. Asi havana kuzoendako nokuti ngarava dzakapararira kuEzionigebheru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehoshafati akavaka zvikepe zveTarishishi kuenda Ofiri kuzotora ndarama; asi hazvina kuenda, nokuti zvikepe zvakaputsika paEzionigebheri.
Shona 2009?
Jehoshafati akavaka zvikepe zveTarishishi kuenda Ofiri kuzotora ndarama; asi hazvina kuenda, nokuti zvikepe zvakaputsika paEZiyonigebheri.
Shona SUB 2002 Bible
Jehoshafati akavaka zvikepe zveTashishi kuenda Ofiri kuzotora ndarama; asi hazvina kuenda, nokuti zvikepe zvakaputsika paEzionigebheri.