1 Kings 22:52 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaita ɀakaipa pamberi paJehova, akafamba nenzira yaɓaɓa ʋake, ʋuye nenzira yamai ʋake, ʋuye nenzira yaJeroboami mŋanakomana waNebati, wakatadzisa Israeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha nokuti akafamba munzira dzababa namai vake nomunzira dzaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, akaita kuti Israeri iite chivi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi akafamba mugwara rababa vake uye mugwara raamai vake uyewo mugwara raJerobhoamu mwanakomana waNebhati akaparisa Isiraeri chitadzo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akafamba nenzira yababa vake, uye nenzira yamai vake, uye nenzira yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, wakatadzisa Isiraeri.
Shona 2009?
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akafamba nenzira yababa vake, uye nenzira yamai vake, uye nenzira yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, wakatadzisa Isiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akafamba nenzira yababa vake, uye nenzira yamai vake, uye nenzira yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, wakatadzisa Isiraeri.