1 Kings 22:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambo waIsraeri akaʋuŋganidza ʋaprofita, ʋaneŋge ʋarume ʋaiʋa namazana manna, akati kwaʋari: Ndiende kundorwa neRamoti‐gireadi here, kana ndirege? Iʋo ʋakati: Endai, nokuti Ishe ucariisa mumaʋoko amambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka mambo weIsraeri akaunganidza pamwe chete, vaprofita, vangangoita varume mazana mana, akavabvunza akati, “Ndoenda here kundorwa neRamoti Gireadhi, kana kuti ndoregera?” Vakapindura vakati, “Endai nokuti Jehovha achaiisa muruoko rwamambo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo mambo wokwaIsiraeri akaunganidza vaporofita vainge voda kusvika mazana mana akavati, “Ndoenda here kundorwisa guta reRamotigireadhi kana kuti ndorega zvangu?” Ivo ndokuti, “Endai zvenyu nokuti Tenzi achariisa mumaoko amambo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mambo waIsiraeri akaunganidza vaporofita, vanenge varume vaiva namazana mana, akati kwavari, “Ndiende kundorwa neRamotigireadhi here, kana ndirege?” Ivo vakati, “Endai, nokuti Ishe uchariisa mumaoko amambo.”
Shona 2009?
Zvino mambo waIsiraeri akaunganidza vaporofita, vanenge varume vaiva namazana mana, akati kwavari, "Ndiende kundorwa neRamotiGiriyadhi here, kana ndirege?" Ivo vakati, "Endai, nokuti Ishe uchariisa mumaoko amambo."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mambo waIsiraeri akaunganidza vaporofita, vanenge varume vaiva namazana mana, akati kwavari, “Ndiende kundorwa neRamot-igiriyadhi here, kana ndirege?” Ivo vakati, “Endai, nokuti Ishe uchariisa mumaoko amambo.”