1 Kings 22:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo waIsraeri akati kunaJehoshafati: Mumŋe murume uci’ko, Mikaya mŋanakomana waImra, watiŋgabvunza kuɗa kwaJehova naye, asi ini ndinomuʋeŋga, nokuti haaprofiti ɀakanaka pamsoro paŋgu, asi ɀakaipa. Jehoshafati akati: Mambo ŋgaarege kuɗaro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo weIsraeri akapindura Jehoshafati akati, “Pachine murume mumwe chete watinogona kubvunza Jehovha naye, asi ndinomuvenga nokuti haamboprofiti chinhu chakanaka pamusoro pangu asi zvakaipa nguva dzose. NdiMikaya, mwanakomana waImura.” Jehoshafati akapindura akati, “Mambo haafaniri kutaura kudaro.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Pachine mumwe murume mumwechete watinganzwe naye kuti Tenzi anoti kudii nazvo. NdiMikaya mwanakomana waImura. Asi ini ndinomuvenga nokuti haamboporofita zvakanaka nezvangu asi zvakaipa chete.” Jehoshafati ndokuti, “Dai mukarega kutaura muchidaro mambo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Mumwe murume uchiriko, Mikaya mwanakomana waImira, watingabvunza kuda kwaJehovha naye, asi ini ndinomuvenga, nokuti haaporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa.” Jehoshafati akati, “Mambo ngaarege kudaro.”
Shona 2009?
Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, "Mumwe murume uchiriko, Mikaya mwanakomana waImira, watingabvunza kuda kwaJehovha naye, asi ini ndinomuvenga, nokuti haaporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa." Jehoshafati akati, "Mambo ngaarege kudaro."
Shona SUB 2002 Bible
Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Mumwe murume uchiriko, Mikaya mwanakomana waImira, watingabvunza kuda kwaJehovha naye, asi ini ndinomuvenga, nokuti haaporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa.” Jehoshafati akati, “Mambo ngaarege kudaro.”