1 Kings 3:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Soromoni akamuka, akaʋona kuti kwakaŋga kuri kurota; akaenda Jerusarema, akamira pamberi peareka yesuŋgano yaJehova, akaɓayira ɀipiriso ɀinopiswa, akaɓayira ʋo ɀipiriso ɀokuyananisa, akaitira ʋaranda ʋake ʋose mutambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Soromoni akamuka, akabva aziva kuti kwakanga kuri kurota. Akadzokera kuJerusarema, akamira pamberi peareka yesungano yaJehovha akabayira zvipiriso zvinopiswa, akabayirawo zvipiriso zvokuyananisa. Ipapo akaitira varanda vake vose mutambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Soromoni ndiye kwake pepu, ndokuti, “A-a inga kurota zvako.” Akaenda kuJerusareu akandomira pamberi pebhokisi raTenzi rechitenderano akapira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana. Akazoitirawo makurokota ake ose mabiko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Soromoni akamuka, akaona kuti kwakanga kuri kurota; akaenda Jerusaremu, akamira pamberi peareka yesungano yaJehovha, akabayira zvipiriso zvinopiswa, akabayiriwo zvipiriso zvokuyananisa, akaitira varanda vake vose mutambo.
Shona 2009?
Ipapo Soromoni akamuka, akaona kuti kwakanga kuri kurota; akaenda Jerusaremu, akamira pamberi peareka yesungano yaJehovha, akabayira zvipiriso zvinopiswa, akabayirawo zvipiriso zvokuyananisa, akaitira varanda vake vose mutambo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Soromoni akamuka, akaona kuti kwakanga kuri kurota; akaenda Jerusaremu, akamira pamberi peareka yesungano yaJehovha, akabayira zvipiriso zvinopiswa, akabayiriwo zvipiriso zvokuyananisa, akaitira varanda vake vose mutambo.