1 Kings 3:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mumŋe mukadzi wakati: Kwete, asi mupenyu ndiye mŋanakomana waŋgu, wakafa ndiye mŋanakomana wako; uyu akati: Kwete, asi wakafa ndiye mŋanakomana wako, mupenyu ndiye mŋanakomana waŋgu. Ʋakataura saiɀoɀo pamberi pamambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi mukadzi mumwe uya akati, “Kwete, mwanakomana mupenyu ndowangu, mwanakomana akafa ndowako.” Asi wokutanga akaramba akati, “Kwete, akafa ndowako; mupenyu ndiye wangu.” Naizvozvo vakaitirana nharo pamberi pamambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi mumwewo wacho akabva ati, “Aiwa, mupenyu uyu ndiye mwana wangu, wako ndiye wafa.” Mumwe ndokuti, “Kwete kani wako ndiye wafa, wangu mupenyu.” Ndokukakavadzana kwavaiita pana mambo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mumwe mukadzi wakati, “Kwete, asi mupenyu ndiye mwanakomana wangu, wakafa ndiye mwanakomana wako;” uyu akati, “Kwete, asi wakafa ndiye mwanakomana wako, mupenyu ndiye mwanakomana wangu.” Vakataura saizvozvo pamberi pamambo.
Shona 2009?
Ipapo mumwe mukadzi wakati, "Kwete, asi mupenyu ndiye mwanakomana wangu, wakafa ndiye mwanakomana wako;" uyu akati, "Kwete, asi wakafa ndiye mwanakomana wako, mupenyu ndiye mwanakomana wangu." Vakataura saizvozvo pamberi pamambo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mumwe mukadzi wakati, “Kwete, asi mupenyu ndiye mwanakomana wangu, wakafa ndiye mwanakomana wako;” uyu akati, “Kwete, asi wakafa ndiye mwanakomana wako, mupenyu ndiye mwanakomana wangu.” Vakataura saizvozvo pamberi pamambo.