1 Kings 3:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mukadzi waiʋa mai womŋana mupenyu akataura kunamambo, nokuti mŋoyo wake wakaʋabga pamsoro pomŋanakomana wake, akati: Haiwa, ishe waŋgu, mumupe henyu mŋana mupenyu, regai kumuʋuraya. Asi mumŋe wakati: Ŋgaacirega kuʋa waŋgu kana wako, mugurei.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mukadzi aiva nomwana mupenyu akanzwira mwanakomana wake tsitsi akati kuna mambo, “Ndapota ishe wangu, mupei zvenyu mwana ari mupenyu! Musamuuraya!” Asi mumwe wacho akati, “Iwe neni hapana ari kuzomuwana. Muchekei napakati!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusana pokunzwa mwoyo kurwadza amai vomwana mupenyu uyu vakati kuna mambo, “Changamire chimupai zvenyu mwana mupenyu iyeyu musambomuuraya zvenyu.” Asi mumwe wacho akati, “Ngaarege kuva wako kana wangu ngaatodimurwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mukadzi waiva mai womwana mupenyu akataura kuna mambo, nokuti mwoyo wake wakava pamusoro pomwanakomana wake, akati, “Haiwa, ishe wangu, mumupe henyu mwana mupenyu, regai kumuuraya.” Asi mumwe wakati, “Ngaachirega kuva wangu kana wako, mugurei.”
Shona 2009?
Ipapo mukadzi waiva mai womwana mupenyu akataura kuna mambo, nokuti moyo wake wakava pamusoro pomwanakomana wake, akati, "Haiwa, ishe wan.gu, mumupe henyu mwana mupenyu, regai kumuuraya." Asi mumwe wakati, "Ngaachirega kuva wangu kana wako, mugurei."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mukadzi waiva mai vemwana mupenyu akataura kuna mambo, nokuti mwoyo wake wakava pamusoro pomwanakomana wake, akati, “Haiwa, ishe wangu, mumupe henyu mwana mupenyu, regai kumuuraya.” Asi mumwe wakati, “Ngaachirega kuva wangu kana wako, mugurei.”